Luke 8

Vakadzi vaishandira Jesu nenhumbi dzavo

1Zvino zvakaitika shure kweizvozvo, kuti iye wakagura nemuguta nemusha umwe neumwe, achidanidzira nekuparidza mashoko akanaka eushe hwaMwari; nevanegumi nevaviri vanaye, 2nevamwe vakadzi vakange vaporeswa pamweya yakaipa neurwere, Maria anonzi Magidharini, maari makabuda madhimoni manomwe, 3naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, nevamwe vazhinji, vaimubatsira nenhumbi dzavo.

Mufananidzo wemukushi

4Zvino chaunga chikuru chakati chaungana, uye vaibva kuguta ripi neripi vachiuya kwaari, akataura nemufananidzo akati: 5Mukushi wakabuda kunokusha mbeu yake; zvino pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ndokutsikwa netsoka, shiri dzekudenga dzikaidya dzikaipedza. 6Uye imwe ikawira paruware; zvino yakamera, ikawoma, nokuti yakashaiwa unyoro. 7Neimwe ikawira pakati peminzwa, minzwa ikakura nayo, ikaivhunga. 8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

9Vadzidzi vake ndokumubvunza vachiti: Mufananidzo uyu ungavei? 10Ndokubva ati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zveushe hwaMwari; asi kune vamwe zviri mumifananidzo, kuti vachiona vasaona; uye vachinzwa vasanzwisisa.

11Zvino mufananidzo ndiwoyu: Mbeu ishoko raMwari. 12Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo dhiabhorosi anouya ndokubvisa shoko pamoyo wavo, kuti varege kutenda, vaponeswe. 13Nevaparuware ndevaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nemufaro; asi ava havana mudzi, vanotenda kwenguva, asi nenguva yemuedzo vanowa. 14Neyakawira paminzwa, ndevaya kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nekufunganya nefuma nemafaro eupenyu, vakasasvitsa zvibereko. 15Asi iri muvhu rakanaka, ndevaya vanoti vanzwa shoko, vanorichengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nekutsungirira.

Mufananidzo wemwenje

16Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje, anoufukidzira nemudziyo, kana kuisa pasi pemubhedha; asi anouisa pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza. 17Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazovi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikanwi nekubuda pachena.

18Naizvozvo chenjerai, kuti munonzwa sei; nokuti ani nani anazvo, achapiwa; asi ani nani asina, achatorerwa kunyange icho chaanofunga kuti anacho.

Ukama naJesu

19Zvino kwakauya kwaari mai nevanin'ina vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga. 20Akaudzwa nevamwe vakati: Mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vanoda kukuonai. 21Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu nevanin'ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari vachiriita.

Jesu anonyaradza dutu remhepo

22Zvino zvakaitika nerimwe remazuva kuti wakapinda muchikepe iye nevadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa; vakasimuka nechikepe. 23Zvino vakati vachienda nechikepe, akarara hope; kukauya dutu guru remhepo padziva; vakazarirwa nemvura, vakava munjodzi. 24Vakaswedera vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo nemafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama. 25Ndokubva ati kwavari: Rutendo rwenyu rwuripi? Asi vachitya vakashamisika, vakataurirana vachiti: Ko ndeupi uyu, kuti anoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?

Jesu anobudisa mweya yetsvina panyika yeVaGadharini

26Zvino vakaenda nechikepe kunyika yeVaGadharini, yakatarisana neGarirea. 27Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza umwe murume achibva muguta, wakange ane madhimoni kwenguva refu, uye asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda. 28Wakati achiona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, musanditambudza. 29Nokuti wakange araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nokuti wakange wamubata nguva zhinji uye waichengetwa akasungwa nemaketani nemabote; asi akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nedhimoni. 30Jesu ndokumubvunza achiti: Zita rako ndiani? Akati: Regiyoni; nokuti madhimoni mazhinji akange apinda maari. 31Akamukumbirisa kuti arege kumaraira kuti aende kugomba risina chigadziko. 32Zvino kwakange kuripo ipapo boka renguruve zhinji dzaifura mugomo; akamukumbirisa kuti amatendere kupinda madziri. Akamatendera. 33Zvino madhimoni akabuda kumunhu, akapinda munguruve; boka ndokupitirikira kumawere richienda kudziva, rikabitirirwa. 34Zvino vaidzifudza vachiona zvaitika, vakatiza, vakaenda kunotaura muguta nemumaruwa. 35Zvino vakabuda kunoona zvaitika; vakasvika kuna Jesu, vakawana munhu, wakange abuda madhimoni maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye akakwana mupfungwa; vakatya. 36Vakange vazvionawo vakavaudza kuti akaponeswa sei aiva nemadhimoni. 37Zvino chaunga chese chedunhu rakapoteredza VaGadharini chakakumbirisa kwaari kuti abve kwavari, nokuti vabatwa nekutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokera. 38Asi murume wakange abuda madhimoni maari, wakakumbirisa kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamurega achienda, achiti: 39Dzokera kumba kwako, unotaura kuti zvikuru sei Mwari zvaaita kwauri. Akaenda, akaparidza muguta rese kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.

Jesu anoporesa mukadzi waiva nekubuda ropa, uye anomutsa mukunda waJairosi

40Zvino zvakaitika kuti pakudzoka kwaJesu, chaunga chakamugamuchira; nokuti vese vakange vakamurindira. 41Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi Jairosi, iye wakange ari mukuru wesinagoge, ndokuwira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make; 42nokuti wakange ane mukunda wakaberekwa umwe wega wemakore anenge gumi nemaviri, uye iye wakange achitandadza. Zvino wakati achaenda, zvaunga zvikamumbandidzira. 43Uye mukadzi, waiva nekubuda ropa kwemakore gumi nemaviri, wakange apedzera zvese zveupenyu hwake kuvarapi, asingagoni kurapwa kwete neumwe. 44Akauya mushure make, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kweropa kwake kukaguma. 45Jesu ndokuti: Ndiani wandibata? Zvino vese vakati vachiramba, Petro nevaiva naye vakati: Tenzi, zvaunga zvinokumbandidzirai nekukutsikirirai zvino moti: Ndiani wandibata? 46Asi Jesu wakati: Aripo wandibata; nokuti ini ndaziva kuti simba rabuda kwandiri. 47Zvino mukadzi wakati achiona kuti haana kuvanzika, akauya achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akarondedzera kwaari pamberi pevanhu vese kuti wakamubata nechikonzero chipi, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei. 48Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare. 49Wakati achataura, kwakauya umwe achibva kumba kwemukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; musatambudza Mudzidzisi. 50Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, uye achaponeswa. 51Zvino wakati apinda mumba, haana kutendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani, nababa vemusikana, namai. 52Uye vese vakachema, vachimuririra. Asi wakati: Musachema, haana kufa, asi arere. 53Vakamuseka nekumhura, vachiziva kuti wafa. 54Asi wakavabudisira vese panze, akamubata ruoko, akadanidzira, achiti: Musikana, muka! 55Mweya wake ukadzoka, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe kudya. 56Zvino vabereki vake vakavhiringidzika; asi wakavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitika.

Copyright information for Shona